Mukudzei Mukombe (akazvarwa 4 Chikunguru 1987), anozivikanwa nezita rake reusevenzi repasteji rekuti Jah Prayzah, anosevenza muhushangazhi wemimhanzi kuZimbabwe uye mtungamiri we bhendi rinonzi Third Generation.
Zvidzupuramanzwi
edit- Handingarire seshiri vakomana,
Koo inga ndiri nhondo inofamba - Kuchiva rumwe rudzi hurema mwana wemutema,
Ucharamba uri mutema.- kubva parwiyo "Kwayedza" (2020)
- Vachakutsondoresa parukangarabwe,
Vachakuvengera cheziya, vachakugumbura
Pauchaunganidza pfuma, vachati unoroya,
Mwanangu uchaiona nhamo yacho ichauya. - Mwanangu teerera, handina kukusarudza ndini ndakubereka,
Pamwe pacho toudzana,
Kuti mvura ikauya, mhepo ikauya usapinda mubako, mune shato unorumwa- kubva parwiyo "Hokoyo" (2020)
- Dzirere pwere dzirere, dzirerewo dzichakurera wo
- kubva parwiyo "Dzirere" (2020)
- Nekuti unoda kundibvisa (chiremerera),
Ndakagara pandakagadzikwa (chiremerera),
Handina kubvuta ndakasarudzwa (chiremerera),
Ndine zodzo, ndine mhondoro (chiremerera),
Ndikakumura nyembe ndakamura..,- kubva parwiyo "Chiremerera" (2023)
- Mhanya nemwenje kunge ruponeso,
Wabata moyo wangu natsa, natsa
Ndipe mutetsu ndimwe mvura
Hukama hwacho igasva- kubva parwiyo "Sarure" (2023)
- Shanje dzandinadzo dzinokunda ngoma kurira.
- kubva parwiyo "Wandibhowa" (2023)