Wq/sn/Ismail ibn Musa Menk

< Wq‎ | sn
Wq > sn > Ismail ibn Musa Menk

Ismail ibn Musa Menk (akazvarwa 27 Chikumi 1975), anozivikanwa futi sa Mufti Menk, mufundisi wechiSalama, uye anogara kuZimbabwe.

Zvidzupuramanzwi edit

Twita edit

Paunopa murairo kuvamwe, ripe nemutsa. Zviite nemoyochena uye nemoyomurefu. Usazviite kurakidza kuti wakangwara kuvapfuura kana kuti uripamusoro pavo.

  • 4 Kubvumbi 2016

Chenjerai vanhu vanokubayai kumusana zvakahwiridzika uye voita kunge ndivo vakatadzirwa. Zvirinani kusafambidzana navo.

  • 5 Kubvumbi 2016

Kunyangwe ukatsamwa zvakadini, usafi wakatapura mashoko anopisa kuvamwe; nokuti iwayo anogona kuvamashoko okupedzisira aunovatapurira. Sarura mashoko anemutsa nguvadzose.

  • 8 Kubvumbi 2016

Unogona kutsvagurudza pasirose uchitsvaga mufaro asi usingauwane kusvikira watanga kugutsikana nezvawakapuhwa na Mwari Samasimba.

  • 31 Chivabvu 2016

Hapana chidiingo chekuvanembiri uye kuwana chirumbidzo chevamwe. Mwari Samasimba havana kukusikira donzvo iyoyi. Simba muchidi chako pamene.

  • 24 Chikumi 2016